Dheuteronomi
2 Kurayiridza kwangu kuchadonha sezvinoita mvura,+
Shoko rangu richayerera sezvinoita dova,+
Sezvinoita mvura inopfunha pauswa+
Uye sezvinoita mvura zhinji pazvinomera.+
4 Iye iDombo, basa rake rakakwana,+
Nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.+
NdiMwari akatendeka,+ asina kusaruramisira;+
Iye akarurama uye akatendeseka.+
6 Muri kuramba muchiitira Jehovha izvi here,+
Haiwa imi mapenzi uye vanhu vasina kuchenjera?+
Iye haasi Baba vako vakakubereka here,+
Iye akakuita akakusimbisa?+
Fungai nezvemakore ekare kubva pachizvarwa nechizvarwa;
Bvunza baba vako, uye vachakuudza;+
Vakwegura vako, uye vachakutaurira.+
8 Wokumusorosoro paakapa marudzi nhaka,+
Paakaparadzanisa vanakomana vaAdhamu,+
Akaisa muganhu wemarudzi+
Nokuda kwokuwanda kwevanakomana vaIsraeri.+
10 Akamuwana munyika yakaita renje,+
Mugwenga risina chinhu, mune kuungudza.+
Akatanga kumukomberedza,+ kumutarisira,+
Kumuchengetedza semboni yeziso rake.+
11 Segondo rinozunungusa dendere raro,
Rinoengerera pamusoro pemanyana aro,+
Rinotambanudza mapapiro aro, roatora,
Roatakura pamapapiro aro,+
12 Jehovha oga ndiye akaramba achimutungamirira,+
Pakanga pasina mwari wokune imwe nyika waaiva naye.+
13 Akaramba achimukwidza panzvimbo dzakakwirira dzepanyika,+
Zvokuti akadya zvibereko zvomunda.+
Akaramba achiita kuti adzvute uchi hwakabva muibwe,+
Nemafuta akabva mudombo rakaoma kwazvo;+
14 Akamupa ruomba rwemombe nomukaka wemakwai+
Pamwe chete nemafuta emakondohwe,
Nemakwai makono, rudzi rwokuBhashani, nenhongo+
Pamwe chete nemafuta eitsvo egorosi;+
Uye iwe wakaramba uchinwa ropa remazambiringa sewaini.+
15 Jeshuruni+ paakatanga kukora, akakava.+
Iwe wakakora, wakava mukobvu, wakafuta.+
Naizvozvo akasiya Mwari, iye akamusika,+
Akazvidza Dombo+ rokuponeswa kwake.
16 Vakatanga kuita kuti aitire vanamwari+ vokune dzimwe nyika godo;+
Vakaramba vachimugumbura nezvinhu zvinosemesa.+
17 Vakabayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari,+
Vanamwari vavakanga vasina kuziva,+
Vatsva vakanga vachangopinda,+
Vakanga vasingazivikanwi nemadzitateguru enyu.
18 Iwe wakakanganwa Dombo rakakubereka,+
Uye wakakanganwa Mwari, Iye akakubereka nemarwadzo okusununguka.+
19 Jehovha paakazviona, akabva arega kuvaremekedza,+
Nokuda kwokutsamwiswa kwaakaitwa nevanakomana vake nevanasikana vake.
20 Naizvozvo akati, ‘Regai ndivavanzire chiso changu,+
Regai ndione kuguma kwavo.
Nokuti ivo chizvarwa chokutsauka,+
Vanakomana vasina kutendeka.+
21 Ivo vakaita kuti ndiitire chinhu chisiri mwari godo;+
Vakanditsamwisa nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira;+
Iniwo ndichaita kuti vave negodo nevasiri vanhu;+
Ndichavagumbura norudzi rwemapenzi.+
22 Nokuti moto wakabatidzwa mukutsamwa kwangu+
Uye uchapisa kusvikira kuSheori,+ nzvimbo yakadzika kwazvo,
Uchaparadza nyika nezvibereko zvayo+
Uye uchaita kuti nheyo dzemakomo dzibvire.+
24 Vachaziya nenzara+ uye vachaparadzwa nefivha+ huru
Nokuparadza kwakaipa kwazvo.+
Ndichavatumira mazino ezvikara,+
Nouturu hwezvinokambaira muguruva.+
25 Kunze bakatwa richaita kuti vashayikirwe,+
Uye vari mukati vachatya,+
Vose jaya nemhandara,+
Anoyamwa nomurume ane bvudzi jena.+
26 Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira,+
Ndichaita kuti kutaurwa nezvavo kugume pakati pevanhuwo zvavo,”+
27 Dai kusiri kuti ndaitya kutsamwa kwomuvengi,+
Kuti mhandu dzavo dzingasazvinzwisisa,+
Kuti dzingati: “Maoko edu akunda,+
Haasi Jehovha akaita zvose izvi.”+
29 Haiwa, kudai vakachenjera!+ Vaizofungisisa nezveizvi.+
Vaizofunga nezvokuguma kwavo.+
30 Munhu mumwe angadzingirira sei vanhu chiuru,
Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu zviuru gumi vatize?+
Kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa+
Uye Jehovha avaisa mumaoko avo.
32 Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa wokuSodhoma
Nepanzvimbo dzakatenuka-tenuka dzeGomora.+
Mazambiringa avo mazambiringa omuchetura,
Masumbu avo anovava.+
35 Kutsiva ndokwangu, nokudzorera.+
Panguva yakatarwa tsoka dzavo dzichadzedzereka,+
Nokuti zuva renjodzi yavo rava pedyo,+
Zviitiko zvavakagadzirirwa zvinochimbidza kuuya.’+
36 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake+
Uye achazvidemba pamusoro pevashumiri vake,+
Nokuti achaona kuti hapasisina chinotsigira
Uye panongova nomunhu asina mubatsiri uye asina zvaanobatsira.
37 Achati, ‘Vanamwari vavo vari kupi,+
Iro dombo ravakatsvaka kwokupotera kwariri,+
38 Vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,+
Vainwa waini yezvinopiwa zvavo zvinonwiwa?+
Ngavasimuke vakubatsirei.+
Ngavave nzvimbo yenyu yokuvanda.+
39 Onai zvino kuti ini—ndini iye+
Hakuna vamwe vanamwari vari pamwe chete neni.+
Ndinouraya, uye ndinoraramisa.+
Ndakakuvadza kwazvo,+ uye ini—ndichaporesa,+
Uye hakuna angabvuta muruoko rwangu.+
40 Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga ndichipika,+
Uye ndinoti: “Noupenyu hwangu, nokusingagumi,”+
41 Kana ndikarodza bakatwa rangu rinon’aima,+
Uye ruoko rwangu rukabata kutonga,+
Ndichatsiva mhandu dzangu+
Uye ndichatsiva vaya vanondivenga kwazvo.+
42 Ndichadhakisa miseve yangu neropa,+
Bakatwa rangu parinenge richidya nyama,+
Neropa revakaurayiwa nevakatapwa,
Nemisoro yevatungamiriri vomuvengi.’+
43 Farai, imi marudzi, nevanhu vake,+
Nokuti achatsiva ropa revashumiri vake,+
Achatsiva mhandu dzake+
Uye achayananisira nyika yevanhu vake.”
44 Nokudaro Mosesi akauya, akataura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachinzwa,+ iye naHoshea mwanakomana waNuni.+ 45 Pashure pokunge Mosesi apedza kutaura mashoko aya ose kuvaIsraeri vose, 46 akati kwavari: “Isai mashoko ose andiri kutaura nhasi ndichikunyeverai mumwoyo menyu,+ kuti murayire vanakomana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omutemo uyu.+ 47 Nokuti harisi shoko risina zvarinobatsira kwamuri,+ asi rinoreva upenyu hwenyu,+ uye neshoko iri mungaita kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika yamuri kuyambukira Jodhani kuti muitore ive yenyu.”+
48 Zvino Jehovha akataura naMosesi zuva iroro, achiti: 49 “Kwira mugomo iri reAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandichapa vanakomana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 50 Ubve wafira mugomo rauri kukwira mariri, uiswe kwakaiswa vanhu vokwako,+ sokufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vokwake; 51 nokuti hamuna kuva vakatendeka kwandiri+ pakati pevanakomana vaIsraeri pamvura yeMeribha+ yokuKadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kunditsvenesa pakati pevanakomana vaIsraeri.+ 52 Nokuti uchaona nyika yacho uri nechokure, asi hauzopindi imomo munyika yandichapa vanakomana vaIsraeri.”+