Genesisi 9:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Nyama bedzi ine mweya+ wayo—iro ropa rayo+—musaidya.+ Revhitiko 3:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 “‘Uyu murau nokusingagumi kuzvizvarwa zvenyu zvose, munzvimbo dzenyu dzose dzamunogara: Hamufaniri kumbodya mafuta kana ropa.’”+ Revhitiko 17:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 “‘Munhu wose weimba yaIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu anodya chero ropa ripi zvaro,+ ndichatarira mweya+ unodya ropa ndakatsamwa, uye ndichauparadza pakati pevanhu vawo. Dheuteronomi 12:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Asi hamufaniri kudya ropa.+ Unofanira kuridururira pasi semvura.+ Ezekieri 33:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 “Naizvozvo iti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Munoramba muchidya pamwe chete neropa,+ munoramba muchitarira kuzvidhori zvenyu zvinosemesa sendove,+ uye munoramba muchidurura ropa.+ Saka mungaita kuti nyika yacho ive yenyu here?+ Mabasa 15:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori,+ ropa,+ zvinhu zvakadzipwa+ uye ufeve.+ Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi,+ muchabudirira. Sarai zvakanaka!”
17 “‘Uyu murau nokusingagumi kuzvizvarwa zvenyu zvose, munzvimbo dzenyu dzose dzamunogara: Hamufaniri kumbodya mafuta kana ropa.’”+
10 “‘Munhu wose weimba yaIsraeri kana kuti mutorwa ari kugara pakati penyu anodya chero ropa ripi zvaro,+ ndichatarira mweya+ unodya ropa ndakatsamwa, uye ndichauparadza pakati pevanhu vawo.
25 “Naizvozvo iti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Munoramba muchidya pamwe chete neropa,+ munoramba muchitarira kuzvidhori zvenyu zvinosemesa sendove,+ uye munoramba muchidurura ropa.+ Saka mungaita kuti nyika yacho ive yenyu here?+
29 kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori,+ ropa,+ zvinhu zvakadzipwa+ uye ufeve.+ Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi,+ muchabudirira. Sarai zvakanaka!”