Isaya
11 Zvino pachigutsa chaJese+ pachabuda davi;+ uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.+ 2 Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake,+ mudzimu wouchenjeri+ uye wokunzwisisa,+ mudzimu wezano uye wokuva nesimba,+ mudzimu wokuziva+ uye wokutya Jehovha;+ 3 uye iye achafara pakutya Jehovha.+
Haazotongi nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake.+ 4 Asi achatongera vakaderera nokururama,+ uye achatsiura nokururama nokuda kwevanyoro venyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake;+ uye achauraya munhu akaipa nomudzimu wemiromo yake.+ 5 Kururama kuchava bhandi romuhudyu make,+ uye kutendeka bhandi rechiuno chake.+
6 Mhumhi ichagara negwayana gono kwenguva duku,+ ingwe icharara pasi nembudzana, mhuru nomwana weshumba ava nezenze+ nemhuka yakakodzwa pamwe chete;+ uye mukomanawo zvake muduku achazvitungamirira. 7 Mhou nebheya zvichafura pamwe chete; vana vazvo vacharara pasi pamwe chete. Kunyange shumba ichadya uswa senzombe.+ 8 Mwana anoyamwa achatamba pamwena wemhungu;+ uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake muburi rinopinza chiedza mumwena wenyoka ine uturu. 9 Hazvizombokuvadzi+ kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene;+ nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.+
10 Zvino pazuva iroro+ pachava nomudzi waJese+ unenge wakamira sechiratidzo nokuda kwevanhu.+ Marudzi achaenda kwaari achibvunza,+ uye nzvimbo yake yokuzororera ichakudzwa.+
11 Zvino pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri,+ kuti awane vanosara vevanhu vake vachasara kuAsiriya+ nokuIjipiti+ nokuPatrosi+ nokuKushi+ nokuEramu+ nokuShinari+ nokuHamati nokuzvitsuwa zvegungwa.+ 12 Iye achasimudzira marudzi chiratidzo, ounganidza vakapararira vaIsraeri;+ uye achaunganidza vakapararira vaJudha vachibva kumigumo mina yenyika.+
13 Godo raEfremu richapera,+ uye vaya vanovenga Judha vachaparadzwa. Efremu haazoitiri Judha godo, uyewo Judha haazoitiri Efremu utsinye.+ 14 Vachabhururuka nepapfudzi revaFiristiya nechokumavirira;+ vachapamba vanakomana vokuMabvazuva vari pamwe chete.+ Vachatambanudzira ruoko rwavo pana Edhomu naMoabhi,+ uye vanakomana vaAmoni vachava pasi pavo.+ 15 Jehovha achagura rurimi rwegungwa reIjipiti,+ achasimudzira ruoko rwake paRwizi+ simba rake richipenya. Acharurova muhova dzarwo nomwe, uye achaita kuti vanhu vafambe vakapfeka hwashu dzavo.+ 16 Pachava nomugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nokuda kwevanosara+ vevanhu vake avo vachasara,+ sezvapakava nomumwe nokuda kwaIsraeri pazuva raakabuda munyika yeIjipiti.