Isaya 9:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Nokuti takaberekerwa mwana,+ takapiwa mwanakomana;+ uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake.+ Achanzi Mupi weZano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi,+ Muchinda woRugare.+ Isaya 11:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Zvino pachigutsa chaJese+ pachabuda davi;+ uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.+ Jeremiya 23:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+ Ezekieri 17:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha,+ ndaderedza muti mukuru,+ ndakwidziridza muti wakaderera,+ ndaomesa muti uchiri munyoro+ uye ndaita kuti muti wakaoma utumbuke. Ini Jehovha, ndazvitaura uye ndazviita.”’”+ Ezekieri 37:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ vose vachava nomufudzi mumwe chete;+ uye vachafamba maererano nezvandakatonga,+ uye vachachengeta mirau yangu,+ voiita.+ Zekariya 12:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vagari vomuJerusarema+ kumativi ose; uye uya ari kugumburwa ari pakati pavo achava saDhavhidhi+ pazuva iroro, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari,+ sengirozi yaJehovha iri pamberi pavo.+ Ruka 1:31 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 31 uye tarira! uchabata pamuviri, wobereka mwanakomana,+ uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.+
6 Nokuti takaberekerwa mwana,+ takapiwa mwanakomana;+ uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake.+ Achanzi Mupi weZano Anoshamisa,+ Mwari Ane Simba,+ Baba Vasingagumi,+ Muchinda woRugare.+
11 Zvino pachigutsa chaJese+ pachabuda davi;+ uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.+
5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+
24 Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha,+ ndaderedza muti mukuru,+ ndakwidziridza muti wakaderera,+ ndaomesa muti uchiri munyoro+ uye ndaita kuti muti wakaoma utumbuke. Ini Jehovha, ndazvitaura uye ndazviita.”’”+
24 “‘“Mushumiri wangu Dhavhidhi achava mambo wavo,+ vose vachava nomufudzi mumwe chete;+ uye vachafamba maererano nezvandakatonga,+ uye vachachengeta mirau yangu,+ voiita.+
8 Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vagari vomuJerusarema+ kumativi ose; uye uya ari kugumburwa ari pakati pavo achava saDhavhidhi+ pazuva iroro, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari,+ sengirozi yaJehovha iri pamberi pavo.+