RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 15:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  9 Muvengi akati, ‘Ndichavatevera!+ Ndichavabata!+

      Ndichagova zvandinenge ndapamba!+ Mweya wangu uchagutswa nazvo!

      Ndichavhomora bakatwa rangu! Ruoko rwangu ruchavadzinga!’+

  • 1 Samueri 2:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  3 Musataura muchizvikudza kwazvo,

      Musarega chinhu chichibuda mumuromo menyu chisingadzorwi,+

      Nokuti Jehovha ndiMwari wezivo,+

      Uye nenzira yakarurama anoona zvakaita mabasa.+

  • Pisarema 17:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Vakazvifukidza nemafuta avo;+

      Vakataura vachizvikudza nemiromo yavo;+

  • Ezekieri 28:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 “Mwanakomana womunhu, iti kumutungamiriri weTire, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:

      “‘“Mwoyo wako zvawava kuzvikudza,+ uye zvauri kuramba uchiti, ‘Ndiri mwari.+ Ndakazvigarisa pachigaro chamwari,+ mumwoyo megungwa guru,’+ iwe uri munhu wepanyika,+ usiri mwari,+ uye uchiramba uchiita kuti mwoyo wako uve somwoyo wamwari—

  • 2 Petro 2:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Nokuti vanotaura mashoko okuzvikudza asingabatsiri, uye nokuchiva kwenyama+ nemiitiro yokusazvibata, vanonyengera+ vaya vanenge vachangopukunyuka+ pavanhu vanogara vachikanganisa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe