Numeri 11:33 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 33 Nyama yakanga ichiri pakati pemazino avo,+ isati yatsengwa, Jehovha paakatsamwira+ vanhu vacho kwazvo, uye Jehovha akauraya vanhu vazhinji kwazvo.+ Pisarema 38:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Maronda angu ava kunhuhwa, anyenga,Nokuda kwoupenzi hwangu.+ Jeremiya 2:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Zvakaipa zvako ngazvikururamise,+ uye mabasa ako okusatendeka ngaakutsiure.+ Saka ziva, uone kuti kusiya kwako Jehovha Mwari wako chinhu chakaipa nechinorwadza,+ uye hausati wava kunditya,’+ ndizvo zvinotaura Changamire+ Ishe, Jehovha wemauto. VaGaratiya 6:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Musatsauswa:+ Mwari haasi wokuseka.+ Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa;+ 2 Petro 2:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 vachizviitira zvakaipa+ somubayiro wokuita zvakaipa.+ Vanoona kurarama kwoumbozha munguva dzemasikati semafaro.+ Ivo mavara nemakwapa, vachifara zvisingadzorwi nedzidziso dzavo dzinonyengera pavanenge vachidya nemi.+
33 Nyama yakanga ichiri pakati pemazino avo,+ isati yatsengwa, Jehovha paakatsamwira+ vanhu vacho kwazvo, uye Jehovha akauraya vanhu vazhinji kwazvo.+
19 Zvakaipa zvako ngazvikururamise,+ uye mabasa ako okusatendeka ngaakutsiure.+ Saka ziva, uone kuti kusiya kwako Jehovha Mwari wako chinhu chakaipa nechinorwadza,+ uye hausati wava kunditya,’+ ndizvo zvinotaura Changamire+ Ishe, Jehovha wemauto.
13 vachizviitira zvakaipa+ somubayiro wokuita zvakaipa.+ Vanoona kurarama kwoumbozha munguva dzemasikati semafaro.+ Ivo mavara nemakwapa, vachifara zvisingadzorwi nedzidziso dzavo dzinonyengera pavanenge vachidya nemi.+