RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 119:53
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  53 Kutsamwa kukuru kwakandibata nokuda kwevakaipa,+

      Vari kusiya mutemo wenyu.+

  • Ezekieri 9:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Jehovha akati kwaari: “Pfuura nomuguta, imo muJerusarema, uise chiratidzo pahuma dzevanhu vari kuchema nokugomera+ pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa zviri kuitwa mukati maro.”+

  • Ezekieri 22:26
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 26 Vapristi varo vakaitira mutemo wangu chisimba,+ uye vanoramba vachisvibisa nzvimbo dzangu tsvene.+ Havana kusiyanisa+ chinhu chitsvene nechinhuwo zvacho,+ uye hapana chavakazivisa pamusoro pechinhu chisina kuchena nechakachena,+ vakavanza maziso avo kuti varege kuona masabata angu,+ uye ndakasvibiswa pakati pavo.+

  • Hosiya 4:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Vanhu vangu vachaitwa kuti vanyarare, nokuti hakuna zivo.+ Zvawakaramba zivo,+ ndichakurambawo kuti urege kundishumira somupristi;+ uye zvaunoramba uchikanganwa mutemo waMwari wako,+ iniwo ndichakanganwa vanakomana vako.+

  • Amosi 2:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 “Zvanzi naJehovha, ‘Handizoregi kuranga vaJudha nokuti vakamukira katatu,+ uye nokuti vakamukira kana, nokuti vakaramba mutemo waJehovha,+ uye nokuti havana kuchengeta mirau yake; asi nhema dzavo+ dziya dzakanga dzateverwa nemadzitateguru avo, dzakaita kuti varambe vachidzungaira.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe