Hosiya
4 Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi vanakomana vaIsraeri, nokuti Jehovha ane gakava nevagari vomunyika,+ nokuti munyika hamuna chokwadi+ kana mutsa worudo kana kuziva Mwari.+ 2 Kutuka+ nokunyengera+ nokuponda+ nokuba+ nokuita upombwe+ zvawedzera, mabasa okuteura ropa abatana nemamwe mabasa okuteura ropa.+ 3 Ndokusaka nyika ichachema+ uye vose vanogara mairi vachaparara pamwe chete nemhuka dzomusango nezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga, uyewo hove dzomugungwa dzichafa.+
4 “Asi ngakurege kuva nomunhu anokakavara,+ uyewo ngakurege kuva nomunhu anotsiura, vanhu vako zvavakaita sevaya vari kukakavadzana nomupristi.+ 5 Uchagumburwa masikati machena,+ uyewo muprofita achagumburwa pamwe chete newe, sezvinoitika usiku.+ Ndichaita kuti amai vako vanyarare.+ 6 Vanhu vangu vachaitwa kuti vanyarare, nokuti hakuna zivo.+ Zvawakaramba zivo,+ ndichakurambawo kuti urege kundishumira somupristi;+ uye zvaunoramba uchikanganwa mutemo waMwari wako,+ iniwo ndichakanganwa vanakomana vako.+ 7 Vakanditadzira zvinoenderana nokuwanda kwavakaita.+ Vakatsinhanisa kukudzwa kwangu nokuzvidzwa.+ 8 Vanoramba vachidya chivi chevanhu vangu, uye mweya yavo inoramba ichipanga kukanganisa kwavo.+
9 “Zvino zvichaita vanhu ndizvo zvichaitawo mupristi;+ ndichaita kuti vazvidavirire nokuda kwenzira dzavo;+ uye ndichaita kuti zvavakaita zvivadzokere.+ 10 Vachadya, asi havazoguti.+ Vachabata vakadzi semahure; asi havazowandi,+ nokuti vakarega kuremekedza Jehovha.+ 11 Ufeve newaini newaini inotapira ndizvo zvinobvisa kunzwisisa.+ 12 Vanhu vangu vanoramba vachibvunza+ chidhori chavo chedanda,+ uye mudonzvo wavo unoramba uchivaudza; nokuti kuda kuita ufeve kwakavadzungairisa,+ uye havazviisi pasi paMwari wavo nokuda kwokuita ufeve.+ 13 Vanobayira zvibayiro vari pamusoro pemakomo,+ uye vanokwidza utsi hwezvibayiro vari pamusoro pezvikomo,+ pasi pomuti muhombe nomuti unonzi mustorakisi nomuti mukuru, nokuti mumvuri wawo wakanaka.+ Ndokusaka vanasikana venyu vachiita ufeve uye varoora venyu vachiita upombwe.
14 “Handizoiti kuti vanasikana venyu vazvidavirire nokuti vanoita ufeve, nevaroora venyu nokuti vanoita upombwe. Nokuti varume, vanoenda vari voga nemahure,+ uye vanobayira zvibayiro pamwe chete nepfambi dzechikadzi dzepatemberi;+ uye vanhu vasinganzwisisi+ vachatsikwa-tsikwa. 15 Kunyange zvazvo uri kuita ufeve, haiwa iwe Israeri,+ Judha ngaarege kuva nemhosva,+ uye musauya kuGirigari,+ kana kuenda kuBheti-avheni+ kana kupika muchiti ‘NaJehovha mupenyu!’+ 16 Nokuti, Israeri asindimara+ kufanana nemhou yakasindimara. Zvino Jehovha achavafudza segondohwe duku riri munzvimbo yakakura here? 17 Efremu akanamatira kuzvidhori.+ Muregei akadaro!+ 18 Doro ravo regorosi zvarakanga risisipo,+ chokwadi vakabata mukadzi sehure.+ Chokwadi vadziviriri+ vake vakada kuzvidzwa.+ 19 Mhepo yakamuputira nemapapiro ayo.+ Vachanyara nezvibayiro zvavo.”+