Vatongi 6:31 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 31 Joashi+ akati kuna vose vakasimuka kuti varwisane naye:+ “Ndimi mucharwira Bhaari nomutemo kuti muone kana imi mungamuponesa here? Munhu wose anomurwira nomutemo anofanira kuurayiwa iwo mangwanani ano.+ Kana ari Mwari,+ ngaazvirwire nomutemo,+ nokuti mumwe munhu aputsa atari yake.” 1 Samueri 24:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Jehovha achava mutongi, achatonga pakati pangu nemi, achaona ondireverera mhosva+ yangu uye achanditonga kuti andisunungure paruoko rwenyu.” Pisarema 35:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 35 Haiwa Jehovha, nditongerei mhosva yangu nevanopikisana neni;+Rwisanai nevaya vari kurwa neni.+ Pisarema 43:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 43 Nditongei,+ haiwa Mwari,Nditongerei mhosva+ iri pakati pangu norudzi rusina kuvimbika.Ndipukunyutsei pamunhu anonyengera neasina kururama.+ Zvirevo 22:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Nokuti Jehovha acharwira mhosva dzavo,+ uye achaparadza mweya yevaya vanovabira.+ Zvirevo 23:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Nokuti Mudzikinuri wadzo ane simba; iye acharwira mhosva yadzo kwauri.+ Jeremiya 50:34 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 34 Mudzikinuri wavo ane simba,+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.+ Chokwadi achavatongera mhosva yavo,+ kuti azorodze nyika+ uye aite kuti vagari vomuBhabhironi varege kugadzikana.”+ Mariro 3:59 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 59 Haiwa Jehovha, makaona zvakaipa zvandakaitirwa.+ Haiwa nditongerei mhosva yangu.+ Mika 7:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Ndichatakura hasha dzaJehovha—nokuti ndakamutadzira+—kusvikira anditongera mhosva yangu ondiruramisira.+ Achandiunza kuchiedza; ndichatarira kururama kwake.+
31 Joashi+ akati kuna vose vakasimuka kuti varwisane naye:+ “Ndimi mucharwira Bhaari nomutemo kuti muone kana imi mungamuponesa here? Munhu wose anomurwira nomutemo anofanira kuurayiwa iwo mangwanani ano.+ Kana ari Mwari,+ ngaazvirwire nomutemo,+ nokuti mumwe munhu aputsa atari yake.”
15 Jehovha achava mutongi, achatonga pakati pangu nemi, achaona ondireverera mhosva+ yangu uye achanditonga kuti andisunungure paruoko rwenyu.”
43 Nditongei,+ haiwa Mwari,Nditongerei mhosva+ iri pakati pangu norudzi rusina kuvimbika.Ndipukunyutsei pamunhu anonyengera neasina kururama.+
34 Mudzikinuri wavo ane simba,+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.+ Chokwadi achavatongera mhosva yavo,+ kuti azorodze nyika+ uye aite kuti vagari vomuBhabhironi varege kugadzikana.”+
9 Ndichatakura hasha dzaJehovha—nokuti ndakamutadzira+—kusvikira anditongera mhosva yangu ondiruramisira.+ Achandiunza kuchiedza; ndichatarira kururama kwake.+