Pisarema 141:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Haiwa Jehovha, isai murindi pamuromo wangu;+Isai murindi pasuo remiromo yangu.+ Zvirevo 10:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika,+ asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.+ Zvirevo 12:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Munhu akaipa anoteyiwa nokudarika kwemiromo,+ asi munhu akarurama anobuda mudambudziko.+ Zvirevo 13:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Munhu anorinda muromo wake anochengeta mweya wake.+ Munhu anoshama miromo yake kwazvo—achaparadzwa.+ Muparidzi 10:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Kunyange uri muimba yako yokurara usatuka mambo,+ uye usatuka chero munhu upi zvake akapfuma uri mudzimba dzako dzomukati dzaunorara;+ nokuti chisikwa chinobhururuka chokumatenga chichatakura inzwi racho uye chinhu chine mapapiro chichataura nyaya yacho.+
3 Munhu anorinda muromo wake anochengeta mweya wake.+ Munhu anoshama miromo yake kwazvo—achaparadzwa.+
20 Kunyange uri muimba yako yokurara usatuka mambo,+ uye usatuka chero munhu upi zvake akapfuma uri mudzimba dzako dzomukati dzaunorara;+ nokuti chisikwa chinobhururuka chokumatenga chichatakura inzwi racho uye chinhu chine mapapiro chichataura nyaya yacho.+