2 Madzimambo 21:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Ndichatambanudzira Jerusarema tambo yokuyeresa+ yakashandisirwa Samariya+ uyewo chokururamisa nacho chakashandisirwa imba yaAhabhi;+ uye ndichachenesa+ Jerusarema sezvinoita munhu anochenesa ndiro isina mubato, anoichenesa oikwidibira.+ Isaya 28:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Ndichaita kuti kururamisira kuve tambo yokuyeresa+ uye kururama+ kuve chokuenzanisa nacho; chimvuramabwe+ chichakukura kwokupotera kwenhema,+ uye mvura ichafashamira nzvimbo yokuvanda.+ Mariro 2:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Jehovha akafunga zvokuparadza rusvingo+ rwomwanasikana weZiyoni.Akatambanudza tambo yokuyeresa.+ Haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza.+Anoita kuti murwi wokudzivirira nawo norusvingo zvicheme.+ Zvaparara pamwe chete.
13 Ndichatambanudzira Jerusarema tambo yokuyeresa+ yakashandisirwa Samariya+ uyewo chokururamisa nacho chakashandisirwa imba yaAhabhi;+ uye ndichachenesa+ Jerusarema sezvinoita munhu anochenesa ndiro isina mubato, anoichenesa oikwidibira.+
17 Ndichaita kuti kururamisira kuve tambo yokuyeresa+ uye kururama+ kuve chokuenzanisa nacho; chimvuramabwe+ chichakukura kwokupotera kwenhema,+ uye mvura ichafashamira nzvimbo yokuvanda.+
8 Jehovha akafunga zvokuparadza rusvingo+ rwomwanasikana weZiyoni.Akatambanudza tambo yokuyeresa.+ Haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza.+Anoita kuti murwi wokudzivirira nawo norusvingo zvicheme.+ Zvaparara pamwe chete.