Isaya 11:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Pachava nomugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nokuda kwevanosara+ vevanhu vake avo vachasara,+ sezvapakava nomumwe nokuda kwaIsraeri pazuva raakabuda munyika yeIjipiti. Isaya 49:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Ndichaita kuti makomo angu ose ave nzira, uye migwagwa yangu yose mikuru ichava pakakwirira.+ Isaya 62:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Budai, budai nepamagedhi. Gadzirai nzira yevanhu vacho.+ Umbiridzai, umbiridzai mugwagwa mukuru. Ubvisei matombo.+ Simudzirai marudzi chiratidzo.+ Jeremiya 31:21 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 21 “Zviisire zviratidzo zvomumugwagwa. Zviisire zvikwangwani.+ Isa mwoyo wako pamugwagwa mukuru, nzira yauchaenda nayo.+ Dzoka, haiwa iwe mhandara yaIsraeri. Dzoka kumaguta ako aya.+
16 Pachava nomugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nokuda kwevanosara+ vevanhu vake avo vachasara,+ sezvapakava nomumwe nokuda kwaIsraeri pazuva raakabuda munyika yeIjipiti.
10 Budai, budai nepamagedhi. Gadzirai nzira yevanhu vacho.+ Umbiridzai, umbiridzai mugwagwa mukuru. Ubvisei matombo.+ Simudzirai marudzi chiratidzo.+
21 “Zviisire zviratidzo zvomumugwagwa. Zviisire zvikwangwani.+ Isa mwoyo wako pamugwagwa mukuru, nzira yauchaenda nayo.+ Dzoka, haiwa iwe mhandara yaIsraeri. Dzoka kumaguta ako aya.+