Revhitiko 26:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Chokwadi ndichakutarirai ndakatsamwa, uye muchakundwa pamberi pevavengi venyu;+ nevaya vanokuvengai vachakutsika-tsikai,+ uye muchatiza pasina anokuteverai.+ Dheuteronomi 28:63 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 63 “Zvino Jehovha zvaakafara kwazvo kuti akuitirei zvakanaka nokuita kuti muwande,+ saizvozvo Jehovha achafara kwazvo kuti akuparadzei nokukutsakatisai;+ uye muchangobviswa panyika yamuri kuenda kunotora kuti ive yenyu.+ Jeremiya 30:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Vose vaya vaikuda kwazvo vakukanganwa.+ Havarambi vachikutsvaka. Nokuti ndakakurova neshamhu yomuvengi,+ nokuranga kwomunhu ane utsinye,+ nokuda kwokuwanda kwokukanganisa kwako;+ zvivi zvako zvawanda.+
17 Chokwadi ndichakutarirai ndakatsamwa, uye muchakundwa pamberi pevavengi venyu;+ nevaya vanokuvengai vachakutsika-tsikai,+ uye muchatiza pasina anokuteverai.+
63 “Zvino Jehovha zvaakafara kwazvo kuti akuitirei zvakanaka nokuita kuti muwande,+ saizvozvo Jehovha achafara kwazvo kuti akuparadzei nokukutsakatisai;+ uye muchangobviswa panyika yamuri kuenda kunotora kuti ive yenyu.+
14 Vose vaya vaikuda kwazvo vakukanganwa.+ Havarambi vachikutsvaka. Nokuti ndakakurova neshamhu yomuvengi,+ nokuranga kwomunhu ane utsinye,+ nokuda kwokuwanda kwokukanganisa kwako;+ zvivi zvako zvawanda.+