Jeremiya
30 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti: 2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nyora mubhuku mashoko ose andichakuudza.+ 3 Nokuti, “tarira! mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichaunganidza vanhu vangu vakatapwa, vaIsraeri nevaJudha,”+ Jehovha adaro, “ndichavadzosa kunyika yandakapa madzitateguru avo, uye vachaitazve kuti ive yavo.”’”+
4 Aya ndiwo mashoko akataurwa naJehovha kuna Israeri uye kuna Judha. 5 Nokuti zvanzi naJehovha: “Takanzwa inzwi rokudedera, kutya,+ uye hakuna rugare. 6 Ndapota, bvunzai, haiwa imi vanhu, muone kana munhurume angabereka mwana. Nei ndaona murume wose akabata muchiuno make sezvinoita munhukadzi ari kusununguka,+ uye zviso zvose zvachenuruka?+ 7 Maiwe! Nokuti zuva iroro iguru,+ zvokuti hakuna rimwe rakafanana naro,+ uye inguva yokutambudzika kwaJakobho.+ Asi iye achaponeswa mariri.”
8 “Zvino pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto, “ndichatyora joko rake ndichiribvisa pamutsipa wako, uye ndichadambura zvisungo zvako nepakati,+ vanhu vaasingazivi havazomushandisi somushandi. 9 Vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo,+ wandichavamutsira.”+
10 “Asi iwe usatya, haiwa mushumiri wangu Jakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “usavhunduka, haiwa iwe Israeri.+ Nokuti tarira ndichakuponesa uchibva kure uye vana vako vachibva kunyika yokutapwa kwavo.+ Jakobho achadzoka, orega kuva nechinonetsa, ogara zvakanaka, uye hapazovi neanokonzera kudedera.”+
11 “Nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti ndikuponese;+ asi ndichaparadza chose marudzi ose andakakuparadzira kwaari.+ Asi iwe, handizokuparadzi.+ Ndichakururamisa zvakafanira, zvandisingazombokuregi usina kurangwa.”+
12 Nokuti zvanzi naJehovha: “Kuputsika kwako hakurapiki.+ Ronda rako rinoramba riripo.+ 13 Hapana ari kukutetererera mhosva yako, iro ronda rako.+ Hapana nzira yokukuporesa nayo, kana kukurapa.+ 14 Vose vaya vaikuda kwazvo vakukanganwa.+ Havarambi vachikutsvaka. Nokuti ndakakurova neshamhu yomuvengi,+ nokuranga kwomunhu ane utsinye,+ nokuda kwokuwanda kwokukanganisa kwako;+ zvivi zvako zvawanda.+ 15 Nei uchichema nokuda kwokuputsika kwako?+ Kurwadziwa kwako hakurapiki nokuda kwokuwanda kwokukanganisa kwako; zvivi zvako zvawanda.+ Ndakakuitira zvinhu izvi. 16 Naizvozvo vose vaya vanokuparadza vachaparadzwa;+ uye kana dziri mhandu dzako dzose, dzose dzichatapwa.+ Vaya vanokutorera nechisimba vachatorerwawo nechisimba, uye vose vanokupamba ndichaita kuti vapambwe.”+
17 “Nokuti ndichaita kuti uwanezve utano hwakanaka, uye ndichaporesa maronda ako,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vakakutumidza kuti mukadzi akadzingwa:+ ‘Kureva Ziyoni, risina ari kuritsvaka.’”+
18 Zvanzi naJehovha: “Tarirai ndiri kuunganidza nhapwa dzematende aJakobho,+ uye ndichanzwira tsitsi tebhenekeri dzake. Guta racho richavakwazve pachikomo charo;+ uye shongwe yokugara ichamira panzvimbo yayo yakafanira.+ 19 Chokwadi kuonga kuchabva kwavari, nenzwi revaya vari kuseka.+ Ndichaita kuti vawande, uye havazovi vashoma;+ asi ndichavaita vazhinji kwazvo, uye havazovi vasingakoshi.+ 20 Vanakomana vake vachava sezvavaiva vakaita kare, neungano yake ichasimbiswa kwazvo pamberi pangu.+ Ndichafunga nezvevadzvinyiriri vake vose.+ 21 Mukuru wake achabva kwaari,+ uye mutongi wake achabuda pakati pake;+ uye ndichaita kuti aswedere pedyo, uye achaswedera kwandiri.”+
“Nokuti zvino, ndiani uyu apa mwoyo wake sechokumbofanobata kuti aswedere kwandiri?”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. 22 “Muchava vanhu vangu,+ neni ndichava Mwari wenyu.”+
23 Tarirai! Dutu raJehovha, idzo hasha dzake, dzabuda, mhepo ine mvura inoramba ichikukura.+ Ichatenderera pamisoro yevakaipa.+ 24 Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuzodzoki kusvikira apedza uye kusvikira aita zvinofungwa nomwoyo wake.+ Mumazuva okupedzisira muchafunga nezvazvo.+