Isaya 26:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 “Vakafa venyu vachararama.+ Zvitunha zvedu—zvichamuka.+ Mukai mushevedzere muchifara, imi vagari vari muguruva!+ Nokuti dova+ renyu rakaita sedova rekamuti komumaro,+ uye nyika icharegawo vaya vasina simba vari murufu vachiberekwa.+ Dhanieri 12:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Vazhinji vakarara muguruva renyika vachamuka,+ ava kuupenyu husingagumi+ uye avo kukuzvidzwa nokusemwa kusingagumi.+ Johani 5:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu,+ vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.+ Mabasa 24:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 uye ndine tariro+ kuna Mwari, tariro iyo varume ava vanayowo, kuti kuchava nokumuka+ kwevakarurama+ nevasina kururama.+ VaHebheru 11:35 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamutswa;+ asi vamwe varume vakatambudzwa nokuti vakaramba kusunungurwa norumwe rudzikinuro, kuti vawane kumuka kuri nani. Zvakazarurwa 20:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku,+ vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu.+ Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo.+
19 “Vakafa venyu vachararama.+ Zvitunha zvedu—zvichamuka.+ Mukai mushevedzere muchifara, imi vagari vari muguruva!+ Nokuti dova+ renyu rakaita sedova rekamuti komumaro,+ uye nyika icharegawo vaya vasina simba vari murufu vachiberekwa.+
2 Vazhinji vakarara muguruva renyika vachamuka,+ ava kuupenyu husingagumi+ uye avo kukuzvidzwa nokusemwa kusingagumi.+
29 vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu,+ vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.+
15 uye ndine tariro+ kuna Mwari, tariro iyo varume ava vanayowo, kuti kuchava nokumuka+ kwevakarurama+ nevasina kururama.+
35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamutswa;+ asi vamwe varume vakatambudzwa nokuti vakaramba kusunungurwa norumwe rudzikinuro, kuti vawane kumuka kuri nani.
12 Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku,+ vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu.+ Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo.+