16 zvatinoziva kuti munhu haanzi akarurama+ nokuda kwemabasa omutemo, asi nokungotenda+ muna Kristu Jesu, kunyange isu takatenda muna Kristu Jesu, kuti tinzi takarurama nokuda kwokutenda muna Kristu,+ kwete nokuda kwemabasa omutemo, nokuti hapana munhu achanzi akarurama nokuda kwemabasa omutemo.+