RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 13:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Jehovha akati kuna Abramu pashure pekuparadzana kwake naRoti: “Ndinokumbira kuti usimudze musoro, utarise uri pauri, kuchamhembe nekumaodzanyemba, uye kumabvazuva nekumavirira,

  • Genesisi 13:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Uye ndichaita kuti vana* vako vave seguruva renyika, zvekuti kana paine munhu anogona kuverenga guruva renyika, vana* vako vanogona kuverengwawo.+

  • Genesisi 15:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Pashure peizvi, Jehovha akataura naAbramu muchiratidzo, achiti: “Abramu, usatya.+ Ndiri nhoo yako.+ Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.”+

  • Genesisi 15:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Akabva abuda naye panze akati: “Ndinokumbira kuti utarise kumusoro kudenga uverenge nyeredzi, kana uchikwanisa kudziverenga.” Akabva ati kwaari: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+

  • Genesisi 17:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Hauchazonzizve Abramu;* uchanzi Abrahamu,* nekuti ndichaita kuti uve baba vemarudzi mazhinji.

  • Genesisi 22:17, 18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vawande senyeredzi dzekudenga uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa,+ uye mwana* wako achaita kuti gedhi revavengi vake rive rake.*+ 18 Uye marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana*+ wako nekuti wateerera inzwi rangu.’”+

  • Dheuteronomi 26:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Unofanira kubva wazivisa pamberi paJehovha Mwari wako kuti, ‘Baba vangu vaiva muAramu+ aidzungaira,* uye vakaenda kuIjipiti+ vakagara ikoko semutorwa vaine vanhu vashomanana muimba yavo.+ Asi vari ikoko vakava rudzi rukuru, rune simba uye rune vanhu vazhinji.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe