RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Samueri 8:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Akaisa mapoka evarwi muEdhomu. Akaisa mapoka acho muEdhomu yese, uye vaEdhomu vese vakava varanda vaDhavhidhi.+ Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+

  • Maraki 1:2, 3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 “Ndakakuratidzai rudo,”+ anodaro Jehovha.

      Asi imi munoti: “Makatiratidza rudo sei?”

      “Isau akanga asiri mukoma waJakobho here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Asi ndakada Jakobho, 3 ndikavenga Isau;+ uye ndakaita kuti makomo ake asare asina chinhu,+ ndikaita kuti nhaka yake isare ichigarwa nehunguhwe* dzemurenje.”+

  • VaRoma 9:10-13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Hapasi ipapo chete, asi zvakaitikawo pakabata Ribheka pamuviri pemapatya nemurume uyu, iye Isaka tateguru vedu;+ 11 nekuti, kuti chinangwa chaMwari pamusoro pekusarudza chirambe chiri pana iye* anodana, kwete pamabasa, vana ava vasati vatomboberekwa uye vasati vaita chakanaka kana chakaipa, 12 mukadzi wacho akaudzwa kuti: “Mukuru achava muranda wemudiki.”+ 13 Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ndakada Jakobho, asi ndakavenga Isau.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe