-
Maraki 1:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 “Ndakakuratidzai rudo,”+ anodaro Jehovha.
Asi imi munoti: “Makatiratidza rudo sei?”
“Isau akanga asiri mukoma waJakobho here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Asi ndakada Jakobho, 3 ndikavenga Isau;+ uye ndakaita kuti makomo ake asare asina chinhu,+ ndikaita kuti nhaka yake isare ichigarwa nehunguhwe* dzemurenje.”+
-
-
VaRoma 9:10-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Hapasi ipapo chete, asi zvakaitikawo pakabata Ribheka pamuviri pemapatya nemurume uyu, iye Isaka tateguru vedu;+ 11 nekuti, kuti chinangwa chaMwari pamusoro pekusarudza chirambe chiri pana iye* anodana, kwete pamabasa, vana ava vasati vatomboberekwa uye vasati vaita chakanaka kana chakaipa, 12 mukadzi wacho akaudzwa kuti: “Mukuru achava muranda wemudiki.”+ 13 Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ndakada Jakobho, asi ndakavenga Isau.”+
-