-
Eksodho 8:17, 18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Vakabva vaita izvi. Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakanga rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva repanyika, unyunyu hukauya pavanhu nepamhuka. Guruva rese repanyika rakava unyunyu munyika yese yeIjipiti.+ 18 Vapristi vaiita zvemashiripiti vakaedzawo kushandisa mashiripiti avo kuti vaunze unyunyu,+ asi vaisakwanisa. Uye unyunyu hwakauya pavanhu nepamhuka.
-
-
2 Timoti 3:8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Vanhu ava vanoshora chokwadi sezvakaitwa naJanesi naJambresi vaipikisa Mozisi. Varume vakadaro vane pfungwa dzakakanganisika zvachose, uye havafarirwi naMwari nekuti havaiti zvinoenderana nekutenda.
-