RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 7:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Zvisinei, Farao akashevedzawo vanhu vakachenjera nen’anga, uye vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti+ vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo.+ 12 Mumwe nemumwe wavo akakanda tsvimbo yake pasi, dzikava nyoka huru; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.

  • Eksodho 7:20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 Mozisi naAroni vakabva vangoita zvavakanga varayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo akarova mvura yakanga iri muRwizi rwaNire Farao nevashandi vake vakatarisa, mvura yese yaiva murwizi ikachinja kuva ropa.+

  • Eksodho 7:22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Kunyange zvakadaro, vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo,+ zvekuti mwoyo waFarao wakaramba wakaoma, uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.+

  • Eksodho 8:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Asi vapristi vaiita zvemashiripiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo, naivowo vakaita kuti matatya abude achiuya panyika yeIjipiti.+

  • Eksodho 8:18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Vapristi vaiita zvemashiripiti vakaedzawo kushandisa mashiripiti avo kuti vaunze unyunyu,+ asi vaisakwanisa. Uye unyunyu hwakauya pavanhu nepamhuka.

  • 2 Timoti 3:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Vanhu ava vanoshora chokwadi sezvakaitwa naJanesi naJambresi vaipikisa Mozisi. Varume vakadaro vane pfungwa dzakakanganisika zvachose, uye havafarirwi naMwari nekuti havaiti zvinoenderana nekutenda.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe