Revhitiko 25:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Pakati penyu hapafaniri kuva nemunhu anobiridzira mumwe wake,+ uye munofanira kutya Mwari wenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.+ Nehemiya 5:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Asi magavhuna akanga anditangira akanga aremedza vanhu uye aitora kwavari mashekeri* 40 esirivha echingwa newaini zuva nezuva. Uyewo, vashandi vavo vaidzvinyirira vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo+ nekuti ndaitya Mwari.+ Zvirevo 1:7 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 7 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweruzivo.+ Mapenzi chete ndiwo anozvidza uchenjeri uye kurayirwa.*+ Zvirevo 8:13 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 13 Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+ Ndinovenga kuzvirumbidza, uye kuzvikudza,+ nzira yakaipa, uye kutaura zvakatsauka.+ 1 Petro 2:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Kudzai vanhu vese,+ idai sangano rese rehama,+ ityai Mwari,+ kudzai mambo.+
17 Pakati penyu hapafaniri kuva nemunhu anobiridzira mumwe wake,+ uye munofanira kutya Mwari wenyu,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu.+
15 Asi magavhuna akanga anditangira akanga aremedza vanhu uye aitora kwavari mashekeri* 40 esirivha echingwa newaini zuva nezuva. Uyewo, vashandi vavo vaidzvinyirira vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo+ nekuti ndaitya Mwari.+
13 Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+ Ndinovenga kuzvirumbidza, uye kuzvikudza,+ nzira yakaipa, uye kutaura zvakatsauka.+