Zvirevo 10:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Munhu anovanza ruvengo rwake anotaura nhema,+Uye munhu ari kuparadzira makuhwa* ibenzi. 1 Johani 2:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Uyo anoti ari muchiedza asi achivenga+ hama yake achiri murima.+ 1 Johani 3:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Munhu wese anovenga hama yake muurayi,+ uye munoziva kuti hapana muurayi anoramba aine upenyu husingaperi.+
15 Munhu wese anovenga hama yake muurayi,+ uye munoziva kuti hapana muurayi anoramba aine upenyu husingaperi.+