-
Dheuteronomi 11:13-15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 “Uye kana mukanyatsoteerera mirayiro yangu yandiri kukurayirai nhasi, moda Jehovha Mwari wenyu uye momushumira nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese,+ 14 ndichapawo nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yemunhuruka* nemvura yemasutso,* uye muchakohwa zviyo* zvenyu newaini yenyu itsva nemafuta enyu.+ 15 Ndichaita kuti zvipfuwo zvenyu zvive nemafuro, uye muchadya muchiguta.+
-