Dheuteronomi 28:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 “Asi kana ukasateerera inzwi raJehovha Mwari wako uchirega kuchengeta mirayiro yake yese nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kutukwa kwese uku kuchauya pauri uye hakuzobvi pauri:+ Dheuteronomi 28:25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Jehovha achaita kuti ukundwe pamberi pevavengi vako.+ Uchavarwisa uchibva kudivi rimwe chete, asi uchavatiza nemativi manomwe; umambo hwese hwepanyika huchatya pahuchaona zvakaipa zvinenge zvichiitika kwauri.+ Vatongi 2:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, saka akavaisa mumaoko evapambi, avo vakabva vavapamba.+ Akavatengesa mumaoko evavengi vakanga vakavapoteredza,+ uye vaIsraeri vakanga vasingachakwanisi kumirisana nevavengi vavo.+ 1 Samueri 4:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Saka vaFiristiya vakarwa, vaIsraeri vakakundwa,+ mumwe nemumwe akatizira kutende rake. Vakawanda kwazvo vakaurayiwa; varwi 30 000 vaifamba netsoka vevaIsraeri vakafa.
15 “Asi kana ukasateerera inzwi raJehovha Mwari wako uchirega kuchengeta mirayiro yake yese nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kutukwa kwese uku kuchauya pauri uye hakuzobvi pauri:+
25 Jehovha achaita kuti ukundwe pamberi pevavengi vako.+ Uchavarwisa uchibva kudivi rimwe chete, asi uchavatiza nemativi manomwe; umambo hwese hwepanyika huchatya pahuchaona zvakaipa zvinenge zvichiitika kwauri.+
14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, saka akavaisa mumaoko evapambi, avo vakabva vavapamba.+ Akavatengesa mumaoko evavengi vakanga vakavapoteredza,+ uye vaIsraeri vakanga vasingachakwanisi kumirisana nevavengi vavo.+
10 Saka vaFiristiya vakarwa, vaIsraeri vakakundwa,+ mumwe nemumwe akatizira kutende rake. Vakawanda kwazvo vakaurayiwa; varwi 30 000 vaifamba netsoka vevaIsraeri vakafa.