RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 26:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Jehovha akazotibudisa muIjipiti neruoko rune simba, uye neruoko rwakatambanudzwa,+ nemabasa anotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso.+

  • Pisarema 78:43-51
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 43 Maratidziro aakaita zviratidzo zvake muIjipiti+

      Uye zvishamiso zvake munharaunda yeZoani,

      44 Uye machinjiro aakaita migero yaNire kuita ropa+

      Zvekuti vaisagona kunwa mvura inobva muhova dzavo.

      45 Akavatumira mbuo* dzakawandisa, kuti dzivarwadzise dzichivaruma+

      Uye matatya kuti avaparadze.+

      46 Akapa zvirimwa zvavo kumhashu dzinodya dzisingasiye chinhu,

      Zvavakashandira zvakadyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda.+

      47 Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe+

      Uye mitsamvi yavo nechimvuramabwe.

      48 Akauraya mhuka dzavo dzinotakuriswa zvinhu nechimvuramabwe+

      Uye akauraya zvipfuwo zvavo nemheni.*

      49 Akavarova nehasha dzake huru,

      Nekushatirwa nekutsamwa nekutambudzika,

      Zvikwata zvengirozi zvichiunza matambudziko.

      50 Akavhurira hasha dzake nzira.

      Haana kuvasiya vari vapenyu;

      Uye akaita kuti vawirwe nedenda.

      51 Akazopedzisira nekuuraya matangwe ese eIjipiti,+

      Kutanga kwesimba ravo rekubereka mumatende aHamu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe