27 Vakaita zviratidzo zvake pakati pavo,
Zvishamiso zvake munyika yaHamu.+
28 Akatuma rima, nyika ikasviba;+
Havana kupandukira mashoko ake.
29 Akashandura mvura yavo ikava ropa,
Akauraya hove dzavo.+
30 Nyika yavo yakazara matatya,+
Kunyange mudzimba dzamambo dzemukati.
31 Akarayira kuti mbuo dziuye
Uye kuti unyunyu huuye munharaunda dzavo dzese.+
32 Akachinja mvura yavo ikava chimvuramabwe
Uye akatuma mheni panyika yavo.+
33 Akarova mizambiringa yavo nemionde yavo
Uye akaparadza miti yemunharaunda yavo.
34 Akataura kuti mhashu dziuye,
Mhashu diki dzisingaverengeki.+
35 Dzakadya zvinomera zvese zvemunyika yacho,
Uye dzakadya zvibereko zvenyika.
36 Akabva arova matangwe ese emunyika yavo,+
Iko kutanga kwesimba ravo rekubereka.