-
Eksodho 15:23-25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Vakasvika kuMara,*+ asi vakatadza kunwa mvura yekuMara nekuti yaivava. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Mara. 24 Saka vanhu vakatanga kugunun’unira Mozisi,+ vachiti: “Tichanwei?” 25 Akachemera Jehovha,+ uye Jehovha akamuratidza muti. Paakaukanda mumvura, mvura yacho yakatanga kunaka.
Mwari akaita kuti ichi chive chidzidzo kuti vazive matongero aaizoita, uye akavaedza kuti aone kana vaizoteerera.+
-
-
2 Madzimambo 4:38-41Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
38 Erisha paakadzokera kuGirigari, munyika yacho maiva nenzara.+ Vanakomana vevaprofita+ vakanga vakagara pamberi pake, uye akati kumushandi wake:+ “Isa hari huru pamoto, ubikire vanakomana vevaprofita zvekudya.” 39 Saka mumwe wavo akaenda kusango kuti anotanha muriwo wemusango, akawana muti wemusango unotanda, akatanha michero yawo, akazadza nguo yake. Akabva adzoka, akaichekerera muhari yekubikira, asingazivi kuti chaiva chii. 40 Vakazozvipakurira varume vacho kuti vadye, asi pavakangodya zvekudya zvacho, vakashevedzera vachiti: “Muhari mune rufu, haiwa munhu waMwari wechokwadi.” Havana kukwanisa kuzvidya. 41 Saka akati: “Unzai furawa.” Akaikanda muhari, akati: “Pakurirai vanhu vadye.” Muhari makanga musisina chinokuvadza.+
-