-
Dheuteronomi 15:7, 8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 “Kana imwe yehama dzako ikava murombo pakati pako mune rimwe remaguta ako, munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako, usaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko rwako kuhama yako murombo.+ 8 Nekuti unofanira kupfumbanura ruoko rwako uchimupa+ uye unofanira kumukweretesawo zvese zvaanoda kana kuti zvaanoshayiwa.
-
-
Jeremiya 34:8, 9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha pashure pekunge Mambo Zedhekiya aita sungano nevanhu vese vaiva muJerusarema kuti avazivise nezvekusunungurwa,+ 9 kuti mumwe nemumwe asunungure varanda vake vechiHebheru, varume nevakadzi, kuti parege kuva nemunhu anoramba achiita muranda hama yake yechiJudha.
-