-
1 Samueri 17:45, 46Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
45 Dhavhidhi akapindura muFiristiya wacho achiti: “Uri kuuya kuzorwa neni nebakatwa nepfumo guru nediki,+ asi ini ndiri kuuya kuzorwa newe muzita raJehovha wemauto,+ Mwari weuto rakarongwa revaIsraeri wawashora.+ 46 Nhasi chaiye Jehovha achakuisa muruoko rwangu,+ uye ndichakuwisira pasi ndodimbura musoro wako; uye nhasi ndichapa shiri dzedenga nemhuka dzesango zvitunha zveuto revaFiristiya; uye vanhu vese vepanyika vachaziva kuti muIsraeri muna Mwari.+
-