14 Munhu wese ari kuita zvinhu asingafungi uye achiratidza kuti haana ruzivo.
Vapfuri vese vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+
Nekuti mifananidzo yavo yesimbi ndeyenhema,
Uye haina mweya mairi.+
15 Haisi chinhu, ibasa rinoshorwa.+
Ichaparara pazuva rekutongwa kwayo.