Isaya
4 Ivo vachamera sekunge vari pakati peuswa hwakasvibirira,+
Semiti yemishambangwena iri pedyo nehova dzemvura.
5 Mumwe achati: “Ndiri waJehovha.”+
Mumwe achazvishevedza nezita raJakobho,
Uye mumwewo achanyora paruoko rwake kuti: “Ndiri waJehovha.”
Uye achazviti Israeri.’
‘Ndini wekutanga uye ndini wekupedzisira.+
Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu.+
Ngaashevedzere, azvitaure uye aratidze uchapupu hwacho kwandiri!+
Sezvandakaita kubvira panguva yandakaita kuti pave nevanhu vekare kare,
Ngavataure zvinhu zvichauya
Nezvinhu zvichaitika.
Handina kugara ndaudza mumwe nemumwe wenyu uye ndazvizivisa here?
Imi muri zvapupu zvangu.+
Kune mumwe Mwari kunze kwangu here?
Aiwa, hakuna rimwe Dombo;+ hakuna rimwe randinoziva.’”
11 Inzwa! Shamwari dzake dzese dzichanyadziswa!+
Mhizha dzacho vanhuwo.
Vese zvavo ngavaungane vamire munzvimbo dzavo.
Vachatya chaizvo uye vachanyadziswa pamwe chete.
12 Mupfuri wesimbi anopfura simbi pamazimbe emoto achishandisa mudziyo wake.
Anoipfura nesando,
Achiipfura neruoko rwake rune simba.+
Anobva atanga kunzwa nzara uye simba rake rinopera;
Haana mvura yaanonwa uye anoneta.
13 Muvezi wedanda anotambanudza tambo yekuyeresa, achiritara nechoko tsvuku.
Anoriveza nembezo oritara nemudziyo wekuyeresa.
14 Pane anoita basa rekutema misidhari.
Ane muti waanosarudza, muti wemuoku,
Uye anoita kuti ukure uye usimbe pakati pemiti yemusango.+
Anodyara muti unonzi muraureri, uye mvura inonaya inoita kuti ukure.
15 Unobva wava huni dzekuti munhu abatidze moto.
Anotora dzimwe huni dzawo kuti adziye;
Anobatidza moto obika chingwa.
Asi anogadzirawo mwari omunamata.
Anougadzira kuti uve mufananidzo wakavezwa, uye anoukotamira.+
16 Anopisa hafu yawo mumoto;
Uye nehafu iyoyo anogocha nyama yaanodya uye anoguta.
Anodziyawo moto uye anoti:
“Hekani! Ndiri kudziyirwa nemoto uyu wandakatarisa.”
17 Asi unenge wasara anougadzira kuti uve mwari, mufananidzo wake wakavezwa.
Anoukotamira ounamata.
Anonyengetera kwauri, oti:
“Ndiponesei nekuti ndimi mwari wangu.”+
18 Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa,+
Nekuti maziso avo akanamwa uye havaoni,
Uye mwoyo yavo haina njere.
19 Hapana anofunga mumwoyo make
Kana kuti anoziva kana anonzwisisa, anoti:
“Ndapisa hafu yawo mumoto,
Uye ndabikawo chingwa ndikagocha nyama pamazimbe awo kuti ndidye.
Saka ndingagadzira chinhuwo zvacho chinosemesa newasara here?+
Ndinganamata danda remuti* here?”
20 Anodya dota.
Mwoyo wake uyo wakanyengedzwa, wamutsausa.
Haagoni kuzviponesa,* uyewo haatauri kuti:
“Muruoko rwangu rwerudyi hamuna nhema here?”
21 “Yeuka zvinhu izvi, haiwa iwe Jakobho, newe Israeri,
Nekuti uri mushumiri wangu.
Ndakakuumba, uye uri mushumiri wangu.+
Haiwa Israeri, handizokukanganwi.+
Dzoka kwandiri, nekuti ndichakudzikinura.+
23 Pemberai nemufaro imi matenga,
Nekuti Jehovha azviita!
Shevedzerai muchifara, imi nzvimbo dzakadzikira dzenyika!
Shevedzerai nemufaro, imi makomo,+
Iwe sango nemiti yako yese!
Nekuti Jehovha adzikinura Jakobho,
Uye anoratidza runako rwake pana Israeri.”+
“Ndini Jehovha, akagadzira zvinhu zvese.
Ndiani aiva neni?
25 Ndiri kuita kuti zviratidzo zvevanotaura zvisina zvazvinobatsira* zvirege kubudirira,
Uye ndini ndinoita kuti vanofembera vaite semapenzi;+
Ndini ndinoita kuti varume vakachenjera vavhiringidzike
Uye ndinochinja ruzivo rwavo rwova upenzi;+
26 Iye ari kuita kuti shoko remushumiri wake riitike,
Uye ari kunyatsozadzisa zvakataurwa nenhume dzake;+
Iye ari kuti nezveJerusarema, ‘Richagarwa,’+
Uye nezvemaguta eJudha, ‘Achavakwazve,+
Uye ndichavakazve matongo aro’;+
27 Iye ari kuti kumvura yakadzika, ‘Ipwa,
Uye ndichaomesa nzizi dzako dzese’;+
28 Iye ari kuti nezvaKoreshi,+ ‘Ndiye mufudzi wangu,
Uye achanyatsoita zvese zvandinofarira’;+
Iye ari kuti nezveJerusarema, ‘Richavakwazve,’
Uye nezvetemberi, ‘Faundesheni yako ichavakwa.’”+