Pisarema 132:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;Haazoregi kuita zvaakataura paakati: “Mumwe wevana vako,Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+ Isaya 53:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma. Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.* Zvakazarurwa 5:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.” Zvakazarurwa 22:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 “‘Ini Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikuzivisei zvinhu izvi kuti ungano ibatsirwe. Ndini mudzi uye mwana waDhavhidhi,+ uye ndini nyeredzi yemangwanani inopenya.’”+
11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;Haazoregi kuita zvaakataura paakati: “Mumwe wevana vako,Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+
2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma. Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.*
5 Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.”
16 “‘Ini Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikuzivisei zvinhu izvi kuti ungano ibatsirwe. Ndini mudzi uye mwana waDhavhidhi,+ uye ndini nyeredzi yemangwanani inopenya.’”+