Isaya 11:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Pachigutsa chaJese+ pachabuda nhungirwa,+Uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko. Isaya 11:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Pazuva iroro mudzi waJese+ uchamira sechiratidzo* kumarudzi.+ Marudzi achaenda kwaari kuti atungamirirwe,*+Uye nzvimbo yake yekuzororera ichakudzwa. Isaya 53:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma. Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.* Jeremiya 23:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+ Jeremiya 33:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Mazuva iwayo uye panguva iyoyo ndichaita kuti patungire nhungirwa yakarurama yaDhavhidhi,*+ uye iye achaita kuti munyika yacho mutevedzerwe mutemo uye muve nekururama.+ Zvakazarurwa 5:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.”
10 Pazuva iroro mudzi waJese+ uchamira sechiratidzo* kumarudzi.+ Marudzi achaenda kwaari kuti atungamirirwe,*+Uye nzvimbo yake yekuzororera ichakudzwa.
2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma. Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.*
5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+
15 Mazuva iwayo uye panguva iyoyo ndichaita kuti patungire nhungirwa yakarurama yaDhavhidhi,*+ uye iye achaita kuti munyika yacho mutevedzerwe mutemo uye muve nekururama.+
5 Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.”