RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 47:1
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 47 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro pevaFiristiya,+ Farao asati akunda Gaza.

  • Ezekieri 25:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kutambanudzira vaFiristiya ruoko rwangu kuti ndivarwise,+ uye ndichaparadza vaKereti+ uye vanhu vakasara vepamhenderekedzo yegungwa.+

  • Joeri 3:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  4 Ndakakutadziraiwo chii,

      Imi Tire neSidhoni, nenzvimbo dzese dzeFiristiya?

      Pane zvandakakuitirai zvamuri kutsiva here?

      Kana muri kunditsiva,

      Ndichaita kuti zvamuri kundiitira zvidzoke kwamuri nekukurumidza zvikuru.+

  • Amosi 1:6-8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  6 Zvanzi naJehovha,

      ‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veGaza,+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,

      Nekuti vakatapa vanhu vese+ kuti vavaise mumaoko eEdhomu.

       7 Saka ndichatumira moto parusvingo rweGaza,+

      Uye uchaparadza shongwe dzayo dzakavakwa zvakasimba.

       8 Ndichaparadza vanhu vekuAshdhodhi,+

      Neuya ari kutonga ari muAshkeroni;+

      Uye ndicharwisa Ekroni,+

      Uye vaFiristiya vanosara vachaparara,”+ anodaro Changamire Ishe Jehovha.’

  • Zefaniya 2:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  4 Nekuti guta reGaza richasara risina vanhu;

      Uye Ashkeroni ichaitwa dongo.+

      Vanhu veAshdhodhi vachabviswa munzvimbo yavo masikati machena,*

      Uye Ekroni ichadzurwa.+

  • Zekariya 9:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  5 Ashkeroni ichazviona yotya;

      Gaza icharwadziwa chaizvo,

      Uye Ekroni icharwadziwawo nekuti uya wayaivimba naye anyadziswa.

      Mambo achaparara muGaza,

      Uye Ashkeroni haizogarwi.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe