48 Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa,
Kurumbidzwa muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
2 Guta rinoyevedza riri pakakwirira uye rinofadza nyika yese,+
Igomo reZiyoni riri kuchamhembe,
Guta raMambo Mukuru.+
3 Mushongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba,
Mwari azivisa kuti iye inzvimbo yekupotera.+