-
Mako 7:32-35Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
32 Vakabva vauya kwaari nemurume akanga ari matsi,+ asingagoni kunyatsotaura, vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari. 33 Uye akaenda naye kwake ega, kusina vanhu. Akabva aisa zvigunwe zvake munzeve dzemurume wacho, uye akasvipa mate, akabata rurimi rwake.+ 34 Uye akatarisa kudenga, ndokutura befu, akati kwaari: “Efufata,” zvinoreva kuti, “Vhurika.” 35 Saka nzeve dzake dzakavhurika,+ uye dambudziko rake rekutaura rakabviswa, akatanga kutaura zvakanaka.
-