-
Ezekieri 34:11-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 “‘Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri pano uye ndichatsvaga makwai angu ndega uye ndichaachengeta.+ 12 Ndichachengeta makwai angu semufudzi anofudza makwai ake anga akapararira.+ Ndichaanunura kubva kunzvimbo dzese dzaakapararira pazuva remakore nerima gobvu.+ 13 Ndichaatora pakati pemarudzi, ndoaunganidza kubva kunyika dzacho, ndoaendesa kunyika yawo uye ndichaafudza mumakomo eIsraeri,+ pedyo nehova uye pedyo nenzvimbo dzese dzekugara dzenyika yacho.
-