RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 13:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Ndichavadhumanisa, vanababa nevanakomana saizvozvo,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+ “Handizonzwi tsitsi, kana kusuruvara, uye handizovanzwiri ngoni; hapana chichaita kuti ndirege kuvaparadza.”’+

  • Jeremiya 21:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 “‘“Kana izvozvo zvapera,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichaisa Mambo Zedhekiya weJudha nevashandi vake nevanhu veguta rino, kureva vaya vachapona padenda, pabakatwa, uye panzara, muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, mumaoko evavengi vavo, uye mumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya.*+ Iye achavauraya nebakatwa. Haazovanzwiri urombo, uye haazovanzwiri tsitsi kana kuvanzwira ngoni.”’+

  • Mariro 3:43
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 43 Nekutsamwa kwenyu makativharidzira kuti tisauya kwamuri;+

      Makatitevera, mukatiuraya zvisina tsitsi.+

  • Ezekieri 5:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 “‘Saka neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘nekuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvidhori zvako zvese zvinonyangadza, nemabasa ako ese anosemesa,+ ini ndichakurambawo, ziso rangu harizonzwi urombo uye handizonzwi tsitsi.+

  • Ezekieri 9:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Munofanira kuuraya vese, harahwa, jaya, mhandara, mwana mudiki, nevakadzi.+ Asi musaswedera pedyo nemunhu wese ane chiratidzo.+ Munofanira kutangira panzvimbo yangu tsvene.”+ Saka vakatanga nevakuru vaiva pamberi peimba yacho.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe