Eksodho 34:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Akabva ati: “Haiwa Jehovha, kana mandinzwira nyasha, ndapota, Jehovha, fambai muri pakati pedu,+ kunyange zvazvo tiri vanhu vakaoma musoro,*+ uye tiregerereiwo kukanganisa kwedu nechivi chedu,+ uye tioneiwo senhaka yenyu chaiyo.” Jeremiya 3:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Saka hapana mvura inopfunha yaunopiwa,+Uye mumasutso* hamusi kunaya mvura. Hauna nyadzi pachiso chako* semudzimai anoita zvechipfambi;Hautombonyari.+ Jeremiya 5:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Haiwa Jehovha, maziso enyu haatsvagi kutendeka here?+ Makavarova, asi hazvina zvazvakabatsira.* Makavaparadza, asi vakaramba kurangwa.+ Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo,+Uye vakaramba kudzoka.+
9 Akabva ati: “Haiwa Jehovha, kana mandinzwira nyasha, ndapota, Jehovha, fambai muri pakati pedu,+ kunyange zvazvo tiri vanhu vakaoma musoro,*+ uye tiregerereiwo kukanganisa kwedu nechivi chedu,+ uye tioneiwo senhaka yenyu chaiyo.”
3 Saka hapana mvura inopfunha yaunopiwa,+Uye mumasutso* hamusi kunaya mvura. Hauna nyadzi pachiso chako* semudzimai anoita zvechipfambi;Hautombonyari.+
3 Haiwa Jehovha, maziso enyu haatsvagi kutendeka here?+ Makavarova, asi hazvina zvazvakabatsira.* Makavaparadza, asi vakaramba kurangwa.+ Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo,+Uye vakaramba kudzoka.+