-
Mako 2:3-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Vakamuunzira mumwe murume akaoma mutezo, akanga akatakurwa nevarume vana.+ 4 Asi vakanga vasingakwanisi kumuunza paiva naJesu chaipo nemhaka yekuwanda kwevanhu, saka vakavhura denga remba nechepakanangana nepaiva naJesu, uye vakadzikisa murume wacho naipapo akarara pakamubhedha. 5 Jesu paakaona kutenda kwavo,+ akati kumunhu wacho akaoma mutezo: “Mwanangu, zvivi zvako zvaregererwa.”+ 6 Paivawo nevamwe vanyori vaivapo, vainge vakagara vachifunga nechemumwoyo+ kuti: 7 “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angaregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”+ 8 Asi Jesu akabva angoziva mumwoyo make kuti vakanga vachifunga saizvozvo pakati pavo, saka akati kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu?+ 9 Ndezvipi zviri nyore, kuti kumunhu akaoma mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, utore mubhedha wako, ufambe’? 10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu+ ane simba rekuregerera zvivi panyika—”+ akati kumunhu wacho akaoma mutezo: 11 “Ndinoti kwauri, Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.” 12 Akabva angosimuka pakarepo akatora kamubhedha kake, akabuda vese vachiona. Saka vese vakashamiswa, vakakudza Mwari, vachiti: “Hatisati tamboona zvakadai.”+
-
-
Ruka 5:18-26Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Uye paiva nevarume vakanga vakatakura mumwe murume akanga akaoma mutezo ari pakamubhedha, uye vaiedza kupinda naye kuti vamuise pamberi paJesu.+ 19 Pavakashaya pekumupinza napo nemhaka yekuwanda kwevanhu, vakakwira padenga remba, vakavhura pekumupinza napo vakamudzikisa pakati pevanhu vaiva pamberi paJesu ari pakamubhedha kake. 20 Paakaona kutenda kwavo akati: “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”+ 21 Vanyori nevaFarisi vakatanga kufunga kuti: “Ndiani iyeye anotaura zvekumhura? Ndiani anogona kuregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”+ 22 Asi Jesu akaziva zvavaifunga, akavapindura achiti: “Muri kufungirei zvakadaro mumwoyo menyu? 23 Ndezvipi zviri nyore, kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? 24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba rekuregerera zvivi panyika—” iye akati kumurume akanga akaoma mutezo: “Ndinoti kwauri, Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.”+ 25 Akabva asimuka pamberi pavo, akatakura kamubhedha kake, akaenda kumba kwake, achikudza Mwari. 26 Vese vakashamiswa chaizvo, vakatanga kukudza Mwari. Vachishamiswa kudaro vakati: “Nhasi taona zvinhu zvatisati tamboona!”
-