-
Mako 9:17-29Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Mumwe munhu aiva pakati pavo akamupindura kuti: “Mudzidzisi, ndauya nemwanakomana wangu kwamuri nekuti ane mweya unoita kuti atadze kutaura.+ 18 Pese paunomubata unomukandira pasi, anopupa furo, orumanisa mazino, opera simba. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vatadza.” 19 Akavapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda,+ ndinofanira kuramba ndiinemi kusvikira riini? Ndokuitirai mwoyo murefu kusvikira riini? Uyai naye pano.”+ 20 Saka vakaunza mukomana wacho paari, asi mweya wacho pawakamuona, wakabva waita kuti mwana wacho agwinhe-gwinhe. Akadonha pasi, akaramba achiumburuka, achipupa furo. 21 Jesu akabva abvunza baba vake kuti: “Zvava nenguva yakareba sei zvichiitika kwaari?” Vakati: “Kubvira achiri mudiki, 22 uye waiwanzomukanda mumoto kana mumvura uchida kumuparadza. Asi kana paine zvamunogona kuita, tinzwireiwo tsitsi, mutibatsire.” 23 Jesu akati kwaari: “Mashoko iwayo ekuti, ‘Kana paine zvamunogona’! Zvinhu zvese zvinoita kana munhu aine kutenda.”+ 24 Pakarepo, baba vemwana wacho vakabva vashevedzera vachiti: “Ndine kutenda! Ndibatsirei pandinoda kutenda!”+
25 Jesu paakaona kuti vanhu vakawanda vakanga vava kumhanyira kwavari, akatuka mweya wacho usina kuchena, achiti kwauri: “Iwe mweya unotadzisa munhu kutaura nekunzwa, ndinokurayira, buda maari uye usapindazve maari!”+ 26 Pashure pekunge washevedzera uye waita kuti agwinhe-gwinhe kazhinji, wakabuda, uye mwana wacho akaita seafa, zvekuti vanhu vakanga vava kuti: “Afa!” 27 Asi Jesu akamubata ruoko, akamusimudza, akasimuka. 28 Saka paakanga apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega kuti: “Nei tatadza kuudzinga?”+ 29 Akati kwavari: “Rudzi urwu runobuda nemunyengetero chete.”
-
-
Ruka 9:38-42Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
38 Uye mumwe murume akabva ashevedzera ari pakati pevanhu, achiti: “Mudzidzisi, ndinokumbirawo kuti mumboonawo mwanakomana wangu, nekuti ndiye ega wandiinaye.+ 39 Anoti kana abatwa nemweya, anotanga kuridza mhere, achigwinha-gwinha achipupa furo, uye unozobuda maari wamukuvadza patoita basa chairo. 40 Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vatadza.” 41 Jesu akapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda, chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndiinemi uye ndichikuitirai mwoyo murefu kusvikira riini? Uya nemwanakomana wako pano.”+ 42 Asi kunyange paakanga ava kusvika, dhimoni racho rakamurovera pasi, rikaita kuti agwinhe-gwinhe zvine simba. Asi Jesu akatuka mweya wacho usina kuchena, akaporesa mukomana wacho, akamudzorera kuna baba vake.
-