RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mako 10:17-22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Paakanga ava kuenda, mumwe murume akamumhanyira, akapfugama pamberi pake, ndokumubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”+ 18 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.+ 19 Mirayiro unoiziva: ‘Usauraya,+ usaita upombwe,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ usabiridzira,+ kudza baba vako naamai vako.’”+ 20 Murume wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, ndakachengeta zvinhu zvese izvi kubvira ndichiri mudiki.” 21 Jesu akamutarisa, akaratidza kuti aimuda, akati, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda unotengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+ 22 Asi akasuwa paakanzwa mhinduro iyoyo, akaenda achirwadziwa, nekuti aiva nezvinhu zvakawanda.+

  • Ruka 18:18-23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Mumwe mutongi akamubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”+ 19 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.+ 20 Mirayiro unoiziva: ‘Usaita upombwe,+ usauraya,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ kudza baba vako naamai vako.’”+ 21 Iye akabva ati: “Yese iyi ndakaichengeta kubvira ndichiri mudiki.” 22 Jesu paakanzwa izvi akati kwaari, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Tengesa zvinhu zvese zvauinazvo wopa varombo mari yacho, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+ 23 Paakanzwa izvi, akarwadziwa chaizvo, nekuti akanga akapfuma chaizvo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe