-
Mako 12:35-37Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
35 Asi Jesu paaidzidzisa mutemberi akati: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 36 Achitungamirirwa nemweya mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+ 37 Kana Dhavhidhi pachake achimuti Ishe, anozova mwanakomana wake pakudii?”+
Vanhu vakawanda vakanga vachimuteerera vachifara.
-
-
Ruka 20:41-44Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
41 Iye akabva avabvunza kuti: “Sei vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 42 Nekuti Dhavhidhi anoti mubhuku reMapisarema, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi 43 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 44 Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”
-