-
Mateu 20:26-28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
26 Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu;+ asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 27 uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.+ 28 Sezvakangoitwa neMwanakomana wemunhu, uyo asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+
-
-
Mako 10:43-45Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
43 Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu; asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 44 uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu mese. 45 Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+
-