-
Mateu 6:25-30Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 “Saka ndinoti kwamuri: Regai kuzvidya mwoyo+ pamusoro peupenyu hwenyu* kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.+ Upenyu* hahukoshi kupfuura zvekudya here uye muviri haukoshi kupfuura zvipfeko here?+ 26 Nyatsocherechedzai shiri dzekudenga;+ hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzipa zvekudya. Hamukoshi kudzipfuura here? 27 Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti* rimwe chete paurefu hweupenyu hwake nekuzvidya mwoyo?+ 28 Uyewo, munozvidyirei mwoyo pamusoro pezvipfeko? Dzidzai kumaruva emusango, makuriro aanoita; haashandi, uyewo haaruki; 29 asi ndinokuudzai kuti kunyange Soromoni+ mukubwinya kwake kwese haana kumboshonga serimwe reaya. 30 Zvino kana aya ari iwo mapfekedzero anoita Mwari zvinhu zvinomera musango, zviripo nhasi, mangwana zvokandwa muchoto, angatadza here kutokupfekedzai kupfuura ipapo, imi vane kutenda kudiki?
-