7 Akadzvinyirirwa+ uye akabvuma kutambudzwa,+
Asi aisashama muromo wake.
Akaunzwa segwai kuzourayiwa,+
Senhunzvi yegwai yakanyarara pamberi pevaveuri vayo,
Uye aisashama muromo wake.+
8 Iye akabviswa nemhaka yekutongwa zvisina kunaka;
Uye ndiani achafunga nezvemashoko edzinza rake?
Nekuti iye akabviswa panyika yevapenyu;+
Akarohwa nekuda kwekudarika kwevanhu vangu.+
9 Paakafa akapiwa nzvimbo yekuvigwa pamwe chete nevakaipa+
Uye pamwe chete nevapfumi,+
Kunyange zvazvo pasina chakaipa chaakanga aita
Uye pasina mashoko eunyengeri aakambotaura.+