-
Johani 4:39-42Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
39 VaSamariya vazhinji vemuguta iroro vakatenda maari nekuda kwezvakataurwa nemukadzi akapupura achiti: “Andiudza zvese zvandakaita.”+ 40 Saka vaSamariya pavakauya kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, uye akagara ikoko mazuva maviri. 41 Izvi zvakaita kuti vamwe vakatowanda vatende nekuda kwezvaakataura, 42 uye vakati kumukadzi wacho: “Hatichangotendi nekuda kwezvawataura chete; nekuti tazvinzwira tega, uye tinoziva kuti murume uyu zvechokwadi ndiye muponesi wenyika.”+
-