Mika
6 Ndapota, inzwai zviri kutaurwa naJehovha.
Simukai mutaure nyaya yenyu pamberi pemakomo,
Uye zvikomo ngazvinzwe inzwi renyu.+
2 Imi makomo inzwai nyaya ina Jehovha,
Imi nheyo dzakasimba dzenyika,+
Nekuti Jehovha ane nyaya yaari kuda kutonga vanhu vake;
Achatongesa vaIsraeri achiti:+
3 “Imi vanhu vangu, ndakaitei kwamuri?
Ndakakunetesai sei?+
Taurai zvandakaita.
4 Nekuti ini ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+
Ndakakununurai muimba yeuranda;+
Ndakatuma Mozisi, naAroni, naMiriyemu kwamuri.+
5 Ndapota, imi vanhu vangu, yeukai zvakarongwa naMambo Bharaki weMoabhi,+
Uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori,+
Zviya zvakaitika kubva paShitimu+ kusvika kuGirigari,+
Kuti muzive mabasa akarurama aJehovha.”
6 Ndichauya pamberi paJehovha nechii?
Ndichapfugamira Mwari ari kumusoro nechii?
Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa here?
Ndichauya nemhuru dzine gore rimwe chete here?+
Ndingapa mwanakomana wangu wedangwe kuti ndivhare kupanduka kwangu here,
Iye mwana wangu wandakabereka, kuti ndivhare kukanganisa kwangu here?+
8 Mwari akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi, iwe munhu.
Jehovha anoda kuti uitei?*
9 Inzwi raJehovha rinoshevedzera kune vari muguta;
Vaya vanoratidza kuti vane uchenjeri* vachatya zita renyu.
Inzwai kurira kweshamhu muteerere iye akaituma.+
10 Muimba yemunhu akaipa muchiine pfuma yezvakaipa here?
Muchine efa* inonyangadza yakatapudzwa here?
11 Ndingava munhu akachena* ini ndiine chikero chakaipa here
Uye ndiine homwe yematombo ekuyeresa ekubiridzira vanhu?+
12 Nekuti vapfumi varo vanongoita zvemhirizhonga,
Vagari varo vanotaura nhema;+
Uye rurimi rwavo runonyengera.+
Uchatadza kuchengetedza zvaunenge watora,
Uye ndichaita kuti zvaunenge waenda nazvo zviparadzwe nebakatwa.
15 Uchadyara mbeu, asi hauzokohwi.
Uchatsika-tsika maorivhi, asi hauzoshandisi mafuta acho;
Uchatsika-tsika mazambiringa kuti uwane waini itsva, asi hauzonwi waini yacho.+