115 Kwete kwatiri, haiwa Jehovha, kwete kwatiri,
Asi rukudzo ngaruuye kuzita renyu+
Nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji uye kutendeka kwenyu.+
2 Nei marudzi achifanira kuti:
“Mwari wavo ari kupi?”+
3 Mwari wedu ari kumatenga;
Anoita zvese zvaanoda.
4 Zvidhori zvavo isirivha negoridhe,
Basa remaoko emunhu.+
5 Zvine muromo, asi hazvitauri;+
Zvine maziso, asi hazvioni;
6 Zvine nzeve, asi hazvinzwi;
Zvine mhino, asi hazvinhuhwidzi;
7 Zvine maoko, asi hazvibati;
Zvine tsoka, asi hazvifambi;+
Pahuro pazvo hapabudisi inzwi.+
8 Vanhu vanozvigadzira vachafanana nazvo,+
Uye ndizvo zvichaitawo vese vanovimba nazvo.+
9 Haiwa iwe Israeri, vimba naJehovha,+
Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.+
10 Haiwa imi imba yaAroni,+ vimbai naJehovha,
Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11 Imi vanotya Jehovha, vimbai naJehovha,+
Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.+
12 Jehovha anotiyeuka uye achakomborera;
Achakomborera imba yaIsraeri;+
Achakomborera imba yaAroni.
13 Achakomborera vaya vanotya Jehovha,
Vadiki pamwe chete nevakuru.
14 Jehovha achaita kuti muwedzere,
Imi nevana venyu.+
15 Jehovha ngaakukomborerei,+
Muiti wedenga nenyika.+
16 Kana ari matenga, ndeaJehovha,+
Asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.+
17 Vakafa havarumbidzi Jah;+
Kunyange vaya vanodzika kurunyararo.+
18 Asi ticharumbidza Jah
Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
Rumbidzai Jah!