Bhuku Rechipiri reMakoronike
1 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba paumambo hwake. Jehovha Mwari wake aiva naye uye akaita kuti ave mukuru chaizvo.+
2 Soromoni akashevedza vaIsraeri vese, vakuru vezviuru nevemazana, vatongi, nemachinda ese emuIsraeri yese, vakuru vedzimba dzemadzibaba. 3 Soromoni neungano yese vakabva vaenda kunzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ nekuti ikoko ndiko kwaiva netende rekusanganira raMwari wechokwadi, tende rakanga ragadzirwa murenje naMozisi mushumiri waJehovha. 4 Asi Dhavhidhi akanga atora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu,+ akaiendesa kunzvimbo yaakanga aigadzirira. Dhavhidhi akanga aidzikira tende muJerusarema.+ 5 Uye atari+ yemhangura yakanga yagadzirwa naBhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri yakanga yaiswa pamberi petebhenekeri yaJehovha; uye Soromoni neungano vainyengetera vari pamberi payo.* 6 Soromoni akapa mipiro ipapo pamberi paJehovha, akapa zvibayiro zvinopiswa 1 000 paatari+ yemhangura patende rekusanganira.
7 Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.”+ 8 Soromoni akabva ati kuna Mwari: “Makaratidza rudo rukuru rusingachinji kuna baba vangu Dhavhidhi,+ uye makandigadza kuti ndive mambo panzvimbo yavo.+ 9 Haiwa Jehovha Mwari, vimbiso yamakaita kuna baba vangu Dhavhidhi ngaizadziswe,+ nekuti makandigadza kuti ndive mambo wevanhu vakawanda seguruva renyika.+ 10 Saka ndipei uchenjeri neruzivo+ kuti nditungamirire vanhu ava,* nekuti ndiani angatonga vanhu venyu vakawanda kudai?”+
11 Mwari akabva ati kuna Soromoni: “Nekuti izvi ndizvo zvauri kuda mumwoyo mako uye hauna kukumbira zvinhu zvizhinji, pfuma nekukudzwa, kana rufu rwevanokuvenga,* kana kukumbira kuti urarame kwenguva refu,* asi wakumbira uchenjeri neruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakakugadza kuti uve mambo wavo,+ 12 uchapiwa uchenjeri neruzivo; asi ndichakupawo zvinhu zvakawanda nepfuma nekukudzwa zvisina kumbova nemadzimambo akakutangira, uye zvisingazovi namambo chero upi zvake anokutevera.”+
13 Saka Soromoni akabva pamberi petende rekusanganira, panzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ akaenda kuJerusarema; uye akatonga Israeri. 14 Soromoni akaramba achiunganidza ngoro nemabhiza;* aiva nengoro 1 400 nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro+ uye pedyo namambo muJerusarema.+ 15 Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zvaiva muJerusarema zviwande sematombo,+ uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+ 16 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti,+ uye boka revatengesi vamambo rainotenga mabhiza* acho akawanda richibhadhara mutengo waaitengeswa nawo.+ 17 Ngoro imwe neimwe yaitengwa kuIjipiti yaiita masirivha 600, uye bhiza raiita 150; vaibva vazvitengesa kumadzimambo ese evaHiti nemadzimambo eSiriya.